Pages

Tuesday, January 19, 2021

KURIRA MUKUNDI LYRICS BY MAMBO DHUTERERE


Chinondi vhiringa hutano panyika dzino kurangarira, kuti neramangwana ndichazoveiko. Ndinotomborara msango ndichingoshanda se ndiri nhapwa, ramangwa rijeke. Shungu dzemoyo dzichingoti dai vapwere vaseva muto varegere kuchiva vavakidzani. Nhamo haina tsiye nyoro kuti ndiseve kudikitira hakuna inofurira nedzivete. Hunzi ukatobuda ziya wawana dovi wasimukira sango rinopa waneta wadzungaira. Baba pose pandinoshanda vhangeri renyu ndiyo tariro, kuti zvandino gogodza ndichazarurirwa. Nyangwe vakapfiga musuwo ndinonopinda nekumbariro, ini kwandinoenda ndichakusvika. Pfimbi yerugare iripo handimboneti kufukunura, Jesu vakati tsvagai muchawana. 
Nazvo chandisinga rivare pandinosha kunyengetera. Kuti dururai zodzo, baba dururai, chese chandichabata, baba chinoda zodzo, basa randinoshanda haa rinoda zodzo. Kwese kwandichashava baba kunoda zodzo, nzira dzandichafamba haa dzinoda zodzo.. Bbaa dururai zodzo x3...... 
Hee denga rina Mwari anoti mukandikumbira kumbirai ndokupai. Ndini Mwari mumwe chete aikumbirwawo nana Solomon njere ndichivapa. Aburaima hwai dzese dziya mombe ne ngamera ndini ndakamupa. Samieri mai vake vanga vava kutonzi ngonwa Hana ndakamupa. 
Vanoshamisika vavakidzani chembere kuyamwisa Sara kunyamwisa. Kana zvikasa shamisa haasi Mwari, Mwari unototi ugobvunza sei. Mwari unototi ugobvunza seyiiiiii. 

Ndakazvinzwa makasimudzira Davita kubva kumakwai, makamuita Mambo waIsirairi. Neni ndinodzidana Ngoni dzigondizunza ndibve guruva, izongova nhoroondo ndava Mambo. Zvese zvamakavaitira vana Josefa ndinozviziva, zvekunotora nhapwa yova Mambo. Mukabata hupenyu hwangu inotofuma yava vhangeri kuti zvedi kuna Jaire anosimudza marombe. Jobo vamugadza mudhishi kutora zvese pfuma nevana, ndimi makamudzorera zvava double. Kana mukazvida wedenga rinotodoka ndava shoroma, ndava kutochengeta nemadzikoma. Mwaka usati wambopera ndichatofona ndichipembera, kuti huyai muone zvandaitirwa. Ndoti bye bye kunhamo usare mushe ndava kuenda, wanga wanyanyawo kundishungurudza. Zvekudya zvokunhongerer zvakatoperera kuna Razaro ini ndiropafadze kuti ndigoche. Baba vanondikomborera pandinobuda nepakudzoka, Ngoni dzazviramba nditande botso. Chese chandichabata tenzi nenyasha dzavo chicha bhuruma, kubhuruma se mudonzvo waAron

No comments:

Post a Comment

Write a correction.