Ahihi ndinorwirwa, neNgoni dza Emanuwero, rwendo rwuno ndapihwa simba, rekurova mhandu nhongonya. Vandikandire matombo munzira, ndomanhonga ndovaka imba.
Vatumire zvishiri kumba, ndozviteya ndovesa moto.
Hakunai aneSimba kunyangwe remugungwa ringa kunda Ngoni.
Deketai mumutse kunyangwe ari Shaka Zulu nengoni modzva.
Manuwere ati ndinorwirwa nana maikoro handimbovatya.
Ndavaona neNgoni kuhope panga ndirere
Ende varoyi vaputsira gate pane mharadzano.
Vataswa mapere vasimudze mhepo ndigotetereka.
Ndigotetereka ne nyika ndigoita chadzimira.
Asi Manuwere adzika nengoni dzinoriritira.
Dzinoriritira Mwari vane Ngoni dzinoriritira.
Vanofunga kuti ndinovhundutswa ne bere.
Asi ndava vhurira magwaro bhuku kuna Danyero.
Kunge Danyero nyangwe dzive shumba ndinokurira.
Ndinokurira nedenga rine Ngoni dzinoriritira. Dzinoriritira Mwari vane Ngoni dzinoriritira.
Rega ndiva tende Mwari vandibvisa kune guruvaa.
Ndaiva chiseko asi nhasi ndodya nana Mambo.
Nana Mambo vambondiseka vaya varipii.
Ndisimudze tafura ndonoigadza pamberi pavo.
Ndoridza hwamanda ndoti chimbo pfuurai nekunoo.
Ndaifidza makwai asi nhasi ndave Mambo.
Musavhunduka mkoma ehe ndini Josefa.
Hupenyu imhindu pindu kune Ngoni dzinokomborera. Dzinokomborera Mwari vane Ngoni dzinokomborera. Maiti ndinosvika kufa ndichidya nhoko here, Zvamaiswera muchitandara nekutambura kwangu.
Ini ndichitatarika maingondiringa moti ndoonda.
Mufunge ndaizama ndikakundika monditi nyope. Hezvo ndosevawo mava kuhumana ndava nechikwambo. Kana riri godo rwendo rwuno muchadzipwa mukafa. Nekuti Manuwero adzika ne Ngoni ndigodya rifa.
Ndaiti ndikavafonerawo vaisambo dairaa. Nhasi vave kuti ndave kudada handifonere vanhu. Ndaiti ndikava mhoresawo vaisandidaira, vairinga divi sendati ndotengesa nyama ye bveni (gudo) ndaizo pota nemadziro wanike ndosvimha misodzi. Ndoti Mwari werugare kumba kwangu ndosvikawo mosvikawo rinhiko. Kuno nehurombo ndongozvipeta kunge zongororo. Ndikahwereketa unganzwa vototi ndatuka ambuya. Hurombo imhosva unopikira kunyangwe dzevamwe.... Asi ndinorwirwa ne Ngoni dza Emanuwere, rwendo rwuno ndapihwa simba, rekurova mhandu nhongonya vandikandire matombo munzira, ndomanhonga ndovaka imba, vatumire zvishiri kumba, ndozviteya ndovesa moto. Hakunai aneSimba kunyangwe remugungwa ringa kunda Ngoni, Deketai mumutse kunyangwe ari Shaka Zulu nengoni modzva, Manuwero ati ndinorwirwa nana maikoro handimbovatya
No comments:
Post a Comment