Saturday, October 20, 2018

WINKY D & VABATI VAJESHOVA LYRICS


[Chorus: Vabati VaJehovha]
Dzika dzika ngirozi
Dzika dzika ngirozi
Dzingatiwanire nyasha

[Verse 1: Winky D]
Moyo wekubereka
Zvino wandiremera
Zvinondibaya pahana
Pandinotarisa vana
Pfungwa dzotenderera
Misodzi yoyerera
Zvinondibaya pahana
Pandinotarisa vana

[Chorus: Winky D & Vabati VaJehovha]
Ndaiti zvimwe
Ichadzika ngirozi
Ichadzimura ngozi
Ichandiwanira nyasha
Aiwa ndatsikwa konzi
Dzika dzika ngirozi
Dzichadzimura ngozi
Dzingandiwanire nyasha
Aiwa ndatsikwa konzi

[Verse 2: Winky D]
Ndatenderera
Oskid ndafamba mamayera
Ndateketera
Ndatsika kunyangwe panoyera
Zvenyama zvaramba
Mweya tungamira vana zvovofamba
Kanda makwati povoshanda
Vasunungure muhuranda
Hona votiza musha
Kande musango
Hanzi hapana kusiri kufa
Kufira musango here
Senge vasina musha

[Chorus: Winky D & Vabati VaJehovha]
Ndaiti zvimwe
Ichadzika ngirozi
Ichadzimura ngozi
Ichandiwanira nyasha
Aiwa ndatsikwa konzi
Dzika dzika ngirozi
Dzichadzimura ngozi
Dzingandiwanire nyasha
Aiwa ndatsikwa konzi

[Verse 3: Winky D]
Nhamo yangu ndeyekubereka vana vandisisawone
Vangovafararira nenyika hanzi hatingazvigone
Ndakaberekera gejo saka ndasiyaneyi nemombe
Varikumhanyisana nemabasa kuda kudzinga hurombe
Ndosivaona kuhope
Varipamushando aiwa hadzizi nyope
Kubva mangwanani vari pandima
Dzamara kudoke

[Chorus: Winky D & Vabati VaJehovha]
Ndaiti zvimwe
Ichadzika ngirozi
Ichadzimura ngozi
Ichandiwanira nyasha
Aiwa ndatsikwa konzi
Dzika dzika ngirozi
Dzichadzimura ngozi
Dzingandiwanire nyasha
Aiwa ndatsikwa konzi (konzi Mambo)

[Bridge: Vabati VaJehovha]
Dzika dzika ngirozi
Dzika dzika ngirozi
Dzingatiwanire nyasha
Aiwa dzika ngirozi Mambo
Dzika dzika ngirozi
Dzika dzika ngirozi
Dzingatiwanire nyasha
Aiwa dzika ngirozi Mambo
Dzika dzika ngirozi
Dzika dzika ngirozi
Dzingatiwanire nyasha

No comments: