Ndiregererei baba nekubvunzurudza kungodawo kuziva.
Idi zvirimo zvizere mumagwaro kuti takasikwa na Ishe.
Takasiikwa na Ishe ende takafanana Nashe.
Asi Lucifer haana kusika here vakafanana nayewo.
Nekuti kunevamwe vane moyo mikukutu kudarika dhimoni.
Semukadzi wa herudhe varikutoda musoro wangu, ende ukaona vavhura muromo vavakutosvipa huturu
Seenduru muMoyo kuvava, vanodarika huriri.
Handina kufungira kuti vanoshanda ne dhimoni.
Ini handinai kana kuziva kuti vane hunhu hwa dherira.
Ndaiona kusekerera ndichiti zvimwe vanondifarira,
Izvo sembwa hakuzi kuseka kuburitsa meno kuda kuruma.
Kutoruma zvekubvarura bvarura zvekusvika pa bvupa..
Vaakandi baaya panodzimba moyo.
Ende chava kutopora chironda vanodzokorora.
Bhuku roti ndikanganwire asi zvotokona moyo.
Idi ndirindoga ndatokundika saka chitodzika ngoni..
Ndakavatadzireiko, nhai ndaka tadzeiko zvovokoniwa kana kurara vachindirongera kuwa.
Voita hukasha kunge rovambira kuda kundigon'ora nhova.
Mazinzeve kumira setsuro kuda kunzwa kuti ndakoromoka.
Dai murawo waibvuma vaitondiviga ndichifema.
Haavana mufaroo, moyo yavo ine ruvengo varikuti zvese zvinotapira tapira dai zviri zvekwavo.
Tetekera uvanzwe, verurimi rwunouraya varikuti zvese zvino chachira chachira(kuvava) ndizvo zvive zvekwedu..
Hondo yavo ndeya sauro iyi haizi kupera mufunge.
Varikuti Davita ifa haumbopatonga ufunge.
Havazive ndakasarudzwa ndakadirwa mafuta msoro.
Hondo handirwe ini dzinorwiwa newekumusoro.
Mukaona ndasimudza tsvimbo munotaparara mose..
Babaa Emanuwere, dzikaka Emanuwere kaa, ndakumbira Manuwere kaa x6..
Kana uri muti chingokwira unyerere sa Zakeo, ukavaudza vanoutema votogobora midzi.
Ndivo vanofona vachiti makorokoto nekuuya nezvipo, izvo kukandira makoko mudziva kuda kukuita husavi.
Havasi vaeni avo ngwarira unoparara hezekaya, vatotumwawo na Mambo bherodhaki, varikubva bhabhirona.
Kukupuruzira handi kukuda, bvunza Samusoni, Varikutishanda nava firisiya inzwa Samusoni.
Kana kutsvodwa handi kudiwa, bvunva Manuwere, vapihwa mari kuti urovererwe bvunza Manuwere.
Saka ndongovimba nashe vanovhura makungwa, Zvaoma baba vanovhura makungwa.
Rega ndingovimba nashe vanodzimura mota, vandikande baba vanodzimura moto.
Ndana Nebukadhineza vandivesera moto, vandikande baba chindidzimira moto
No comments:
Post a Comment